1Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora. Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
2Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru.
3Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.
4Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa,
5vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya.
6Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
7Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.
8Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera
9Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.
10Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
11Gomo reZioni rinofarisisa, misha yeJudha inofara nokuda kwokutonga kwenyu.
12Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro,
13fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.
14Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.