1Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro. Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu.
2Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.
3Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.
4Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura.
5Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.
6Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose.
7Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano.
8Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.
9Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.
10Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu.
11Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni.
12Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri.
13Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;
14ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri.
15Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.
16Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”
17Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.
18Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza.
19Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.
20Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka.
21Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.
22Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.