1Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu.
2Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.
3Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?
4Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.
5Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?
6Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.
7Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.
8Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.
9Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.
10Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.