1Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, padare ravakarurama nepagungano.
2Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari.
3Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni.
5Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi.
6Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.
7Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika.
8Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama.
9Akapa dzikinuro kuvanhu vake; akasimbisa sungano yake nokusingaperi, zita rake idzvene uye rinotyisa.
10Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.