1Pisarema raAsafi. Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,
2“Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera
3Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.
4Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.
5“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.
6“Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’
7Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.”
8Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.