1Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Israeri ngaati dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu,
2dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu patakarwiswa navanhu,
3apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu;
4mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura,
5mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure.
6Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.
7Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.
8Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.