1Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri.
2Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo.
3Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?”
4Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza.
5Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga.
6Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo.
7Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake.