1Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;
2Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.
3Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera
4“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”
5Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”
6Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera
7Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”