1Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.
2Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.
3Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.
4Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.
5Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.
6Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.
7Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.
8Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.
9Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.
10Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.
11Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
12Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda,
13dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.
14Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere.
15Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;
16chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.
17Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
18Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
19Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;
20anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.
21Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.
22Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.