1Rwiyo rworwendo. Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.
2Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.
3Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.
4Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.
5Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; muone henyu kubudirira kweJerusarema,
6uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.