1Pisarema rokuvonga. Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.
2Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.
3Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
4Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake.
5Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.