1Ipapo Jobho akapindura akati:
2“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina!
3Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?
4Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.
5Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.
6“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.
7Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose.
8Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.
9Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.
10Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.
11Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.
12Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;
13vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.
14Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi.
15“Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva.
16Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;
17asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.
18“Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
19Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.
20Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
21anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
22“Makore mashoma bedzi asara, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.